Shuramatongo Poem by Munyaradzi donald II Kuutsi

Shuramatongo

Ndini hangu zida watora,
Zida watasva,
Handisarudze, vadiki vachine mukaka pamhino,
Vechidiki, vabva zera, Vakwegura,
Vese ndinotora,
Varume, mumabhawa umo! !
Wakoriwa nawo hwahwa wozviwona sewakachenjera,
Nahwo hunzenza nepfambi,
Ndinongoti mudzimu waro bonga kuwona huku dzichirwa
Ndinokukwezvera kuti titambe mumatope usina mvura yekuzvichenura,
Sarei usina mvura yausingafe wakawana kuti uzvichenese
Paunozopengenuka woda kutsvaga mvura kuti ubvise matope,
Ndinenge ndatokusvibisa zvachose kusvika rufu,
Handei pautano! !
Ndinokudya zvishoma shoma kusvika wave mapfupa,
Kuita hwe gonzo rino ruma richifurudzira,
Iro bvudzi royerera, mbayta dzinoita sedzakaturikwa pamuti
ndinenge ndinewe ndichikukwezvera muguva zvinyoronyoro,
CHENJERA! ! ! ZVIBATE,
NDISATI NDAKUBATA MUDIKANI,
Unoisiya nyika,
Zuva rakachekanyika,
Ugofa wakasvinura hove,
Hokoyo! ! ! Hunzenza regedza,
Ndikakubata, kufakwacho kunorwadza,
Kunge mombe yamedza waya,
Ugotadza kusiira vana vako nhaka,
Kana tsono zvayo,
Nepamusana pemabasa ako ehunzenza
Chenjera SHURAMATONGO

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success