Maizviziva here Kusasana Kunoparira. Rinamanyanga hariputirwi . NDO O KUNGE Ndamutanga Musikana. Kurauwone chokwadi chezuvari Rakava Buno Risifemberi.
Ndakati ndakweva ndebvu dzainge Dzembudzi pachirebvu. Chinamanenji hachifambisi! . Ndaizivei ndainge ndoibopa nokumuswe. Jekanyika rakacheka nyika.
Runako neni Munjodzi. Chokwadi Rudo Ibofu. Vakandikanda ziso Rakasara munzara. Rakati piriviri Misodzi dikita neROPA. Ndakamboedza Madirativhange. Nhango ne Ndyaringo ndakapfimbika. Yaive Nhaka youpenyu. Ndipo pakanzi navana Tsano Mudzimu WA KUPE CHIRONDA...
Ndakademba Ndikandei Mugehena.pandakavona ndotongwa nenyika mbiri. Ndakati Ndinofa ndayedza. Zvikanzi Muchadura. Ini ndokuti ndakamuda dakara afa. Ndipo Pane Mwoyo wangu. Rudo runotuma Asingarambi. Chero kupfeka Nguwo Dzowuswa. Pandakanzi chamatsenga nzungu. Ndakatsaga Vakafa Vapenyu. Paidamwoyo. ZVAIDA KUSHINGA. Kuwana Runako Munjodzi.
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem
I enjoyed reading this poem on Shona (Zimbabwe) publications