Runako Munjodzi. Poem by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Runako Munjodzi.

Maizviziva here Kusasana Kunoparira. Rinamanyanga hariputirwi . NDO O KUNGE Ndamutanga Musikana. Kurauwone chokwadi chezuvari Rakava Buno Risifemberi.

Ndakati ndakweva ndebvu dzainge Dzembudzi pachirebvu. Chinamanenji hachifambisi! . Ndaizivei ndainge ndoibopa nokumuswe. Jekanyika rakacheka nyika.

Runako neni Munjodzi. Chokwadi Rudo Ibofu. Vakandikanda ziso Rakasara munzara. Rakati piriviri Misodzi dikita neROPA. Ndakamboedza Madirativhange. Nhango ne Ndyaringo ndakapfimbika. Yaive Nhaka youpenyu. Ndipo pakanzi navana Tsano Mudzimu WA KUPE CHIRONDA...
Ndakademba Ndikandei Mugehena.pandakavona ndotongwa nenyika mbiri. Ndakati Ndinofa ndayedza. Zvikanzi Muchadura. Ini ndokuti ndakamuda dakara afa. Ndipo Pane Mwoyo wangu. Rudo runotuma Asingarambi. Chero kupfeka Nguwo Dzowuswa. Pandakanzi chamatsenga nzungu. Ndakatsaga Vakafa Vapenyu. Paidamwoyo. ZVAIDA KUSHINGA. Kuwana Runako Munjodzi.

POET'S NOTES ABOUT THE POEM

COMMENTS OF THE POEM
Wensy Mbirimi 27 January 2015

I enjoyed reading this poem on Shona (Zimbabwe) publications

0 0 Reply
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

gutu mission hospital. Gutu, Zimbabwe
Close
Error Success