Nhaka Ya Vamugabe Poem by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Nhaka Ya Vamugabe

Zvimwe zvese takagovana asi kune imwe nhaka. Ivhu takagovana vamwe vakawana. Vamwe vakashaya. Vakamira mira vakomana ruri gatyumbwi. Chiriporipocho takanzwa hondo yeminda. Tatora zvikanzi rambai makashinga. Kwaive kurutakudzwa svinga nzara ndiye togo o. Ma Talks Ma talks. Dzamare pfocho-o! . Yemubatanidzwa. Asi nhaka yababa ndeyavana. Kupa vatorwa masvosva mangoyi. Nhaka yababa ndeyavakagwinya. Mubvutidzanwa gango remaputi. Inhaka yavakatisiira nhaka yevhu. Regai ndizvireve ini zvavanhu vevhu. Nekuti ndezvavanhu. Pasina vanhu hapana nhaka.

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

gutu mission hospital. Gutu, Zimbabwe
Close
Error Success