Ndibate Zimbabwe.
Ndibate chero pawandibata.
Bata Bata chero wandibata.
Ita seunozora Bata.
Usarega kubata wakati MBA a a a a a a a! ? ! ? ! ? ! ? ? .
Ndibate semabatiro avanoitana pachivhiti vhiti.
Dzvanya wakambandidzira chiriki riki.
Ndibate chero pasingabatiki.
Ruvoko rwako ngarwusvike parwusati rwambosvika.
Pauri zvomene Musika Vanhu vakasika.
Ndinongosvika rangu Sadza wabika,
Mvura yokugeza , watotuvidza.
Ndibate Zimbabwe nyatsonditi Mba a a aa a a a a a a a! ! ! ! .
Bata nechapapapa
Ugobata nechapapapa.
Uchisviyanga Nyanga dzapapapa.
Ukavona meso ndatsinzinyira kubutsvatsvatsva.
Ziva zvino pandiri atove makubukasva.
Wandibata sewakabata rwatsvatsva murutsva.
Zimbabwe ndinokupa ndose! .
Kurumidza mhani kundibata Bata.
Vasati vasvika vaya zvitota.
Kuzotota mastaera ekubatana.
Ndibate panyama nhete.
Ndibate seusingadi kundibata.
Ndibate pausakambondibata..
Kana waNdibata ndobata denga.
Bata a a a a a a a a a a a a a a a a a a a a! ! ! ! ! ! .
Ndibate
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem